Leviticus 4:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ŋgaabvise mafuta ayo ose, seɀinobviswa mafuta eɀipiriso ɀokuyananisa naɀo, muprista agoapisa pamsoro peartari, ciʋe cinhu cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova; muprista unofanira kumuyananisira, akaŋganwirwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achabvisa mafuta ose sokubviswa kunoitwa mafuta pachibayiro chokuwadzana uye muprista achazvipisa paaritari sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. Nenzira iyi muprista achamuyananisira uye acharegererwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngaabvise mafuta ayo ose sokubviswa kunoitwa mafuta ezvibayiro zvokuwadzana. Mupristi ngaapisire mafuta iwayo paatari, kunhuhwirira kwawo kufadze Tenzi. Saka mupristi acharipira chitadzo chake iye anobva aregererwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ngaabvise mafuta ayo ose, sezvinobviswa mafuta ezvipiriso zvokuyananisa nazvo, mupristi agoapisa pamusoro peatari, chive chinhu chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; mupristi anofanira kumuyananisira, akanganwirwe.
Shona 2009?
Zvino ngaabvise mafuta ayo ose, sezvinobviswa mafuta ezvipiriso zvokuyananisa nazvo, muprista agoapisa pamusoro pearitari, chive chinhu chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha; muprista anofanira kumuyananisira, akangamwirwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ngaabvise mafuta ayo ose, sezvinobviswa mafuta ezvipiriso zvokuyananisa nazvo, mupristi agoapisa pamusoro peatari, chive chinhu chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; mupristi anofanira kumuyananisira, akanganwirwe.