Leviticus 5:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana akasagona kuʋuya nenjiʋa mbiri, kana notwana tuʋiri twenjiʋa, ŋgaaʋuye necipiriso cake pamsoro pokutadza kwake, ciʋe cegumi ceefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; ŋgaarege kuɗira mafuta pamsoro pabgo, kana kuisa ɀinonhuwira pamsoro pabgo, nokuti cipiriso ceɀiʋi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Asi, kana asingakwanisi kuuya nenjiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri, anofanira kuuya nechipiriso chezvivi zvake chiri chegumi cheefaa youpfu hwakatsetseka sechipiriso chezvivi. Haafaniri kuisa mafuta kana zvinonhuwira pazviri nokuti chipiriso chechivi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana asingakwanisi kuwana njiva mbiri kana hangaiwa dzichiri diki mbiri, ngaaunze mupiro wokupfupira chitadzo chaakaita weupfu hwekoroni hwakatsetseka hunorema kirogiramu rimwechete hwemupiro wokupfupira. Ngaarege kuisa mafuta eorivhi kana rusenzi muupfu ihwohwo nokuti mupiro iwoyo ndowekupfupira chitadzo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi kana akasagona kuuya nenjiva mbiri, kana notwana tuviri twenjiva, ngaauye nechipiriso chake pamusoro pokutadza kwake, chive chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso chezvivi; ngaarege kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuwira pamusoro pahwo, nokuti chipiriso chezvivi.
Shona 2009?
"Asi kana akasagona kuuya nenjiva mbiri, kana notwana tuviri twenjiva, ngaauye nechipiriso chake pamusoro pokutadza kwake, chive chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso chezvivi; ngaarege kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuhwira pamusoro pahwo, nokuti chipiriso chezvivi.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi kana akasagona kuuya nenjiva mbiri, kana notwana tuviri twenjiva, ngaauye nechipiriso chake pamusoro pokutadza kwake, chive chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso chezvivi; ngaarege kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuwira pamusoro pahwo, nokuti chipiriso chezvivi.