Leviticus 5:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu akaɗarika, akatadza nokusaziʋa paɀinhu ɀitȿene ɀaJehova, ŋgaaʋuye kunaJehova necipiriso cemhoȿa yake, cegondobge risinemhoȿa ramakwai ake, ucimutarira mashekeri esirveri ucienzanisa neshekeri rapanɀimbo tȿene; ciʋe cipiriso cemhoȿa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kana munhu akadarika uye akatadza nokusaziva maererano nezvinhu zvose zvitsvene zvaJehovha, anofanira kuuya kuna Jehovha nomuripo wegondohwe risina kuremara, uye rine muripo unokwanirana nesirivha, maererano neshekeri repanzvimbo tsveneb. Ichi chipiriso chezvivi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana munhu akakanganisa mukusaziva aita udyire hokusapa zvinhu zvinoera zvinofanira kuripwa kuna Tenzi, anofanira kuunza mupiro wokuripa mhosva kuna Tenzi wehondohwe yomudanga make, isina chinoshoreka pairi. Iwe ndiwe unotema mutengo wayo wemari yesirivha inowirirana nemari yesirivha iya yeShekeri yomuNzvimbo Inoera. Ichochi chibayiro chemupiro wokuripa mhosva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana munhu akadarika, akatadza nokusaziva pazvinhu zvitsvene zvaJehovha, ngaauye kuna Jehovha nechipiriso chemhosva yake, chegondohwe risina mhosva ramakwai ake, uchimutarira mashekeri esirivha uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene; chive chipiriso chemhosva.
Shona 2009?
"Kana munhu akadarika, akatadza nokusaziva pazvinhu zvitsvene zvaJehovha, ngaauye kuna Jehovha nechipiriso chemhosva yake, chegondobwe risina mhosva ramakwai ake, uchimutarira mashekeri esirivha uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene; chive chipiriso chemhosva.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana munhu akadarika, akatadza nokusaziva pazvinhu zvitsvene zvaJehovha, ngaauye kuna Jehovha nechipiriso chemhosva yake, chehondohwe isina chipomerwa chamakwai ake, uchimutarira mashekeri esirivha uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene; chive chipiriso chemhosva.