Leviticus 5:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana akaŋga aɓata ɀisakanaka ɀomunhu, kana ɀiri ɀisakanaka ɀipi neɀipi akaȿiɓiswa naɀo, ɀikasazikanwa naye; kana akazoɀiziʋa, ucaʋa nemhoȿa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana kuti akabata zvisakachena zvavanhu, chinhu chipi zvacho chinoita kuti asava akachena, kunyange asingazvizivi, paanozozviziva, achava nemhosva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana kuti munhu abata chinon'oresa munhu chingave chin'orwa chipi nechipi zvacho chin'oresa munhu mukusaziva, paanozongoziva zvaaita anobva ava nemhosva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana akanga abata zvisakanaka zvomunhu, kana zviri zvisakanaka zvipi nezvipi akasvibiswa nazvo, zvikasazikanwa naye; kana akazozviziva, achava nemhosva.
Shona 2009?
"Kana akanga abata zvisakanaka zvomunhu, kana zviri zvisakanaka zvipi nezvipi akasvibiswa nazvo, zvikasazikamwa naye; kana akazozviziva, achava nemhosva.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana akanga abata zvisakanaka zvomunhu, kana zviri zvisakanaka zvipi nezvipi akasvibiswa nazvo, zvikasazikanwa naye; kana akazozviziva, achava nemhosva.