Leviticus 5:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu akapika nomuromo wake, asiŋgafuŋgi kwaɀo, kundoita ɀakaipa kana kundoita ɀakanaka, cinhu cipi necipi caakapika, asiŋgafuŋgi kwaɀo, cikasazikanwa naye; kana akazociziʋa, ucaʋa nemhoȿa kunecimŋe caiɀoɀo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana kuti munhu asina kunyatsofungisisa akaita mhiko yokuti achaita chimwe chinhu, chingava chakanaka kana chakaipa, panyaya ipi zvayo, munhu yaanenge apika pamusoro payo asina kufungisisa, kunyange zvazvo asingazvizivi, paanozozviziva achava nemhosva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Munhu anovhurumukira kupika mhiko yokuita zvakaipa kana zvakanaka, kana kuita chipikepike zvacho chemhiko chingaitwe nomunhu akazonyatsoziva mhiko yaakaita pakarepo atova nemhosva yechimwe chazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana munhu akapika nomuromo wake, asingafungi kwazvo, kundoita zvakaipa kana kundoita zvakanaka, chinhu chipi nechipi chaakapika, asingafungi kwazvo, chikasazikanwa naye; kana akazochiziva, achava nemhosva kune chimwe chaizvozvo;
Shona 2009?
"Kana munhu akapika nomuromo wake, asingafungi kwazvo, kundoita zvakaipa kana kundoita zvakanaka, chinhu chipi nechipi chaakapika, asingafungi kwazvo, chikasazikamwa naye; kana akazochiziva, achava nemhosva kune chimwe chaizvozvo;
Shona SUB 2002 Bible
“Kana munhu akapika nomuromo wake, asingafungi kwazvo, kundoita zvakaipa kana kundoita zvakanaka, chinhu chipi nechipi chaakapika, asingafungi kwazvo, chikasazikanwa naye; kana akazochiziva, achava nemhosva kune chimwe chaizvozvo;