Leviticus 6:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋarume ʋose kuʋana ʋaAroni ŋgaʋaɀidye, uʋe murairo usiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose paɀipiriso ɀose ɀaJehova ɀinoitwa nomŋoto; munhu upi noupi unoɀiɓata, ucaʋa mutȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munhurume wose wechizvarwa chaAroni anogona kuzvidya. Chikamu chake chaanofanira kugara achiwana pazvipiriso zvinopiwa kuna Jehovha nomoto kumarudzi achatevera. Munhu wose achabata izvi achava mutsvene.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume vose vemhuri yekwaAroni ndovanobvumirwa kuzvidya, somurao unogara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose chichibva pamipiro yaTenzi inoita zvokupiswa. Ani naani anenge azvibata anobva ava munhu anoera.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Varume vose kuvana vaAroni ngavazvidye, uve murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose pazvipiriso zvose zvaJehovha zvinoitwa nomoto; munhu upi noupi unozvibata, uchava mutsvene.”
Shona 2009?
Varume vose kuvana vaAroni ngavazvidye, uve murayiro usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose pazvipiriso zvose zvaJehovha zvinoitwa nomoto; munhu upi noupi unozvibata, uchava mutsvene."
Shona SUB 2002 Bible
Varume vose kuvana vaAroni ngavazvidye, uve murairo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose pazvipiriso zvose zvaJehovha zvinoitwa nomoto; munhu upi noupi unozvibata, uchava mutsvene.”