Leviticus 6:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu akatadza, akaɗarika murairo waJehova, akanyeŋgera wokwake pacinhu caakaŋga apiwa kuceŋgeta, kana cakaŋga caiswa paruʋoko rwake, kana pakumuɓira, kana pakumanikidza wokwake;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kana mumwe akatadza uye akasavimbika kuna Jehovha nokunyengedza muvakidzani wake pazvinhu zvaakachengeteswa, kana zvaakabatiswa kana zvakabiwa, kana kuti akamubiridzira,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ngatiti munhu atadzira Tenzi, akatadza kuve munhu anovimbika kwaari nokunyengedza kwaanoita mumwe wake panyaya dzokubatiswa zvinhu, kana dzokuchengeteswa zvinhu, kana dzokupamba zvinhu, kana dzokuwana zvinhu kune mumwe wako nomutoo usina kunaka,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana munhu akatadza, akadarika murayiro waJehovha, akanyengera wokwake pachinhu chaakanga apiwa kuchengeta, kana chakanga chaiswa paruoko rwake, kana pakumubira, kana pakumanikidza wokwake;
Shona 2009?
"Kana munhu akatadza, akadarika murayiro waJehovha, akanyengera wokwake pachinhu chaakanga apiwa kuchengeta, kana chakanga chaiswa paruoko rwake, kana pakumubira, kana pakumanikidza wokwake;
Shona SUB 2002 Bible
“Kana munhu akatadza, akadarika murairo waJehovha, akanyengera wokwake pachinhu chaakanga apiwa kuchengeta, kana chakanga chaiswa paruoko rwake, kana pakumubira, kana pakumanikidza wokwake;