Leviticus 6:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ŋgaciɓikwe namafuta mugaŋgo; kana caibva, uʋuye naco; unofanira kuʋuya necipiriso coʋupfu ɀimeɗu‐ɀimeɗu ɀakakaŋgwa, ciʋe cinhu cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvibikei namafuta mugango. Muuye nazvo zvakasanganiswa zvakanaka mugouya nechipiriso chezviyo chakamedurwa-medurwa sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chingwa ichocho ngachive choupfu hwakakanyiwa pamwechete namafuta, chakabikwa mupani. Ngaachimedure-medure chisasikirwe Tenzi somupiro wembesanwa, unonhuhwirira zvinomufadza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ngachibikwe namafuta mugango; kana chaibva, uuye nacho; unofanira kuuya nechipiriso choupfu zvimedu-zvimedu zvakakangwa, chive chinhu chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
Shona 2009?
Ngachibikwe namafuta mugango; kana chaibva, uuye nacho; unofanira kuuya nechipiriso choupfu zvimedu-zvimedu zvakakangwa, chive chinhu chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Ngachibikwe namafuta mugango; kana chaibva, uuye nacho; unofanira kuuya nechipiriso choupfu zvimedu–zvimedu zvakakangwa, chive chinhu chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.