Leviticus 6:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀipiriso ɀose ɀeɀiʋi, kana rimŋe ropa raɀo rakaiswa mutente rokusoŋgana kuzoyananisira panɀimbo tȿene, ŋgaɀirege kudyiwa; ɀinofanira kupiswa nomŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi chipiriso chechivi, chipi nechipi chine ropa richauyiswa muTende Rokusangana kuti rizoyananisira muNzvimbo Tsvene, hachifaniri kudyiwa; chinofanira kupiswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hapana chibayiro chemupiro wokupfupira zvitadzo chinofanira kudyiwa kana ropa racho rambounzwa mutendhe rokusanganira kuzopfupira zvitadzo. Chibayiro ichocho chose zvacho ngachipiswe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvipiriso zvose zvezvivi, kana rimwe ropa razvo rakaiswa mutende rokusangana kuzoyananisira panzvimbo tsvene, ngazvirege kudyiwa; zvinofanira kupiswa nomoto.
Shona 2009?
Zvipiriso zvose zvezvivi, kana rimwe ropa razvo rakaiswa mutende rokusangana kuzoyananisira panzvimbo tsvene, ngazvirege kudyiwa; zvinofanira kupiswa nomoto.
Shona SUB 2002 Bible
Zvipiriso zvose zvezvivi, kana rimwe ropa razvo rakaiswa mutende rokusangana kuzoyananisira panzvimbo tsvene, ngazvirege kudyiwa; zvinofanira kupiswa nomoto.