Leviticus 6:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Raira Aroni naʋanakomana ʋake, uti: Murairo wecipiriso cinopiswa ndiwo: Cipiriso cinopiswa cinofanira kuʋata pacoto pamsoro peartari ʋusiku bgose kuȿikira maŋgwanani, mŋoto urambe ucipfuta pamsoro paco.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipa Aroni navanakomana vake murayiro uyu uti, ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chinopiswa: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuramba chiri pachoto paaritari usiku hwose, kusvikira mangwanani, uye moto unofanira kuramba uchibvira paaritari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Udza Aroni navanakomana vake kuti, ‘Mutemo womupiro wokupisa ndouyu: Mupiro wokupisa unofanira kurara uri pamoto, paatari, usiku hwose kusvikira mangwanani. Moto wepaatari unofanira kugara uchipfuta nguva dzose.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Raira Aroni navanakomana vake, uti, ‘Murayiro wechipiriso chinopiswa ndiwo: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuvata pachoto pamusoro peatari usiku hwose kusvikira mangwanani, moto urambe uchipfuta pamusoro pacho.’
Shona 2009?
"Raira Aroni navanakomana vake, uti, `Murayiro wechipiriso chinopiswa ndiwo: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuvata pachoto pamusoro pearitari usiku hwose kusvikira mangwanani, moto urambe uchipfuta pamusoro pacho.'
Shona SUB 2002 Bible
“Raira Aroni navanakomana vake, uti, ‘Murairo wechipiriso chinopiswa ndiwo: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuvata pachoto pamusoro peatari usiku hwose kusvikira mangwanani, moto urambe uchipfuta pamusoro pacho.’