Leviticus 7:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu akaɀipa, kuti aʋoŋge naɀo, pamŋe cete neciɓayiro cokuʋoŋga naco, unofanira kupa ɀiŋgwa ɀiɗuku ɀisina‐kuʋiriswa ɀakakanyiwa namafuta, neɀiŋgwa ɀitete ɀisina‐kuʋiriswa ɀakazodzwa mafuta, neɀiŋgwa ɀakakanyiwa namafuta ɀoʋupfu bgakatsetseka ɀakakaŋgwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana akachipa sechiratidzo chokuvonga ipapo pamwe chete nechipiriso chokuvonga ichi, anofanira kupa makeke echingwa chakabikwa chisina mbiriso, chakaiswa mafuta, makeke matete akabikwa pasina mbiriso, akazorwa mafuta, namakeke oupfu hwakatsetseka akanyatsokanywa akaiswa mafuta.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana mupiro iwoyo uri wokutenda, ngaapire pamwechete nechibayiro chokutenda chingwa chisina mbiriso choupfu hwakakanyiwa namafuta, nechimwe chingwa chakati fatata chisina mbiriso, chakazorwa mafuta, nechimwewo chingwa cheupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa chakanyatsokanyiwa namafuta.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana munhu akazvipa, kuti avonge nazvo, pamwechete nechibayiro chokuvonga nacho, anofanira kupa zvingwa zviduku zvisina kuviriswa zvakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta, nezvingwa zvakakanyiwa namafuta zvoupfu hwakatsetseka zvakakangwa.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible