Leviticus 7:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana imŋe nyama yeciɓayiro ceɀipiriso ɀake ɀokuyananisa ikadyiwa nezuʋa retatu, haɀiŋgagamucirwi nomufaro kana kunzi ɀakanaka kunaiye wakaɀipa; cicaʋa cinhu cinonyaŋgadza, nomunhu unoɀidya ucaʋa nemhoȿa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana nyama yechipiriso chokuwadzana ikadyiwa nomusi wechitatu haizogamuchirwi. Hazvigamuchirwi panzvimbo yomunhu anenge azvipa nokuti hazvina kuchena, munhu achadya chikamu chipi chazvo achava nemhosva yacho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana nyama yechibayiro ichocho chomupiro wake wokuwadzana, ikangodyiwa zvayo pazuva retatu, munhu anenge aupira haazogamuchirwa, uyewo haazoonekwa sepane chaaita chakanaka, asi anenge atoita chinhu chakaipa kwazvo. Ani naani anoudya imhosva yake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana imwe nyama yechibayiro chezvipiriso zvake zvokuyananisa ikadyiwa nezuva retatu, hazvingagamuchirwi nomufaro kana kunzi zvakanaka kuna iye wakazvipa; chichava chinhu chinonyangadza, nomunhu unozvidya uchava nemhosva.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible