Leviticus 7:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti aninani unodya mafuta eɀipfuwo ɀaʋanoitira Jehova cipiriso cinoitwa nomŋoto, munhu unoadya unofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munhu wose anodya mafuta emhuka inoitwa nayo chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ani naani anodya mafuta echibayiro chomupiro waTenzi unoita zvokupiswa atozvichekanisa ukama nevokwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ani naani unodya mafuta ezvipfuwo zvavanoitira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto, munhu unoadya anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
Shona 2009?
Nokuti ani naani unodya mafuta ezvipfuwo zvavanoitira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto, munhu uNowadya anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ani naani unodya mafuta ezvipfuwo zvavanoitira Jehovha chipiriso chinoitwa nomoto, munhu unoadya anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.