Leviticus 8:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akati kunaAroni naʋanakomana ʋake: Ƃikai nyama pamukoʋa wetente rokusoŋgana, muidyire’po neciŋgwa ciri muɗeŋgu rokugadza naro, seɀandakaraira ndiciti: Aroni naʋanakomana ʋake ʋanofanira kuɀidya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake, “Bikai nyama pamusuo weTende Rokusangana mugoidyira ipapo nechingwa chomudengu rezvipiriso zvokugadzwa sezvandakarayira ndichiti, ‘Aroni navanakomana vake vanofanira kuchidya.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akataurira Aroni navanakomana vake achiti, “Bikirai nyama yehondohwe iyi kumusuo wetendhe rokusanganira, muidyire ikoko pamwechete nechingwa chiri mutswanda yemipiro yokugadza sokutaura kwandakamboita ndichiti, ‘Aroni navanakomana vake vanofanira kuidya.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akati kuna Aroni navanakomana vake, “Bikai nyama pamukova wetende rokusangana, muidyirepo nechingwa chiri mudengu rokugadza naro, sezvandakaraira ndichiti, Aroni navanakomana vake vanofanira kuzvidya.’
Shona 2009?
Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake, "Bikai nyama pamukova wetende rokusangana, muidyirepo nechingwa chiri mudengu rokugadza naro, sezvandakaraira ndichiti, `Aroni navanakomana vake vanofanira kuzvidya.'
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akati kuna Aroni navanakomana vake, “Bikai nyama pamukova wetende rokusangana, muidyirepo nechingwa chiri mudengu rokugadza naro, sezvandakaraira ndichiti, ‘Aroni navanakomana vake vanofanira kuzvidya.’