Leviticus 8:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musaɓuɗa pamukoʋa wetente rokusoŋgana mazuʋa manomŋe, kuȿikira mazuʋa okugadza kwenyu apera; nokuti iye ucakugadzai mazuʋa manomŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musabva pamusuo weTende Rokusangana kwamazuva manomwe kusvikira mazuva okugadzwa kwenyu apera, nokuti kugadzwa kwenyu kuchapedza mazuva manomwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Musambobuda zvenyu pamusuo wetendhe rokusanganira kwamazuva manomwe, kusvikira mazuva okugadzwa kwenyu apera nokuti kugadzwa kwenyu kunotora mumazuva manomwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Musabuda pamukova wetende rokusangana mazuva manomwe, kusvikira mazuva okugadza kwenyu apera; nokuti iye uchakugadzai mazuva manomwe.
Shona 2009?
Musabuda pamukova wetende rokusangana mazuva manomwe, kusvikira mazuva okugadza kwenyu apera; nokuti iye uchakugadzai mazuva manomwe.
Shona SUB 2002 Bible
Musabuda pamukova wetende rokusangana mazuva manomwe, kusvikira mazuva okugadza kwenyu apera; nokuti iye uchakugadzai mazuva manomwe.