Leviticus 8:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Garai pamukoʋa wetente rokusoŋgana masikati noʋusiku mazuʋa manomŋe, muceŋgete ɀamakarairwa naJehova, kuti murege kufa; nokuti ndiɀo ɀandakarairwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munofanira kugara pamusuo weTende Rokusangana usiku namasikati kwamazuva manomwe mugoita zvinoda Jehovha kuti musafe nokuti ndizvo zvandarayirwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munofanira kuramba muri kumuso wetendhe rokusanganira, siku nesikati, kwamazuva manomwe, muchiita zvinorehwa naTenzi, mungadaro mukafa nokuti ndozvandakaudzwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Garai pamukova wetende rokusangana masikati nousiku mazuva manomwe, muchengete zvamakarairwa naJehovha, kuti urege kufa; nokuti ndizvo zvandakarairwa.”
Shona 2009?
Garai pamukova wetende rokusangana masikati nousiku mazuva manomwe, muchengete zvamakarairwa naJehovha, kuti urege kufa; nokuti ndizvo zvandakarairwa."
Shona SUB 2002 Bible
Garai pamukova wetende rokusangana masikati nousiku mazuva manomwe, muchengete zvamakarairwa naJehovha, kuti urege kufa; nokuti ndizvo zvandakarairwa.”