Leviticus 9:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mŋoto wakaɓuɗa pamberi paJehova, ukapisa cipiriso cinopiswa namafuta pamsoro peartari; ʋanhu ʋose ʋakati ʋaciɀiʋona ʋakaɗanidzira, ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Moto wakabuda kubva pamberi paJehovha ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta paaritari. Vanhu vose pavakazviona vakadanidzira nomufaro uye vakawira pasi nezviso zvavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakarepo moto wakabva kuna Tenzi ukaroromesa mupiro wokupisa pamwechete namafuta aiva paatari. Vanhu vose pavakazviona vakadaidzira vakati pasi zvambarara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo moto wakabuda pamberi paJehovha, ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta pamusoro peatari; vanhu vose vakati vachizviona vakadanidzira, vakawira pasi nezviso zvavo.
Shona 2009?
Ipapo moto wakabuda pamberi paJehovha, ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta pamusoro pearitari; vanhu vose vakati vachizviona vakadanidzira, vakawira pasi nezviso zvavo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo moto wakabuda pamberi paJehovha, ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta pamusoro peatari; vanhu vose vakati vachizviona vakadanidzira, vakawira pasi nezviso zvavo.