Leviticus 9:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Utaure naʋana ʋaIsraeri, uti: Torai nhoŋgo yembudzi ciʋe cipiriso ceɀiʋi, nemhuru, negwaiana, ɀose ɀegore rimŋe, ɀisinemhoȿa, ciʋe cipiriso cinopiswa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uti kuvana veIsraeri, ‘Torai nhongo yembudzi yechipiriso chechivi, mhuru negwayana zvose zvine gore uye zvisina kuremara sechipiriso chinopiswa
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
utaurire vaIsiraeri kuti, ‘Torai gotora romupiro wokupfupira zvitadzo nemhuru, nehwayana dzose dziri mbiri dzive dzine gore rimwechete, dzisina chinoshoreka padziri dzomupiro wokupisa.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Utaure navana vaIsiraeri, uti, ‘Torai nhongo yembudzi chive chipiriso chezvivi, nemhuru, negwayana, zvose zvegore rimwe, zvisina mhosva, chive chipiriso chinopiswa,
Shona 2009?
Utaure navana vaIsiraeri, uti, `Torai nhongo yembudzi chive chipiriso chezvivi, nemhuru, negwayana, zvose zvegore rimwe, zvisina mhosva, chive chipiriso chinopiswa,
Shona SUB 2002 Bible
Utaure navana VaIsiraeri, uti, ‘Torai nhongo yembudzi chive chipiriso chezvivi, nemhuru, negwayana, zvose zvegore rimwe, zvisina chipomerwa, chive chipiriso chinopiswa,