Leviticus 9:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iʋo ʋakaʋuya neɀakaŋga ɀarairwa naMosesi pamberi pomukoʋa wetente rokusoŋgana, ʋuŋgano yose ikasweɗera, ʋakamira pamberi paJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakatora zvinhu zvakarayirwa naMozisi vakaenda nazvo mberi kweTende Rokusangana uye ungano yose ikauya ikamira pamberi paJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaIsiraeri vakaunza zvose zvakarayirwa naMosesi kumusuo wetendhe rokusanganira, vose vakauya vakasvikomira pana Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ivo vakauya nezvakanga zvarairwa naMosesi pamberi pomukova wetende rokusangana, ungano yose ikaswedera, vakamira pamberi paJehovha.
Shona 2009?
Zvino ivo vakauya nezvakanga zvarairwa naMozisi pamberi pomukova wetende rokusangana, ungano yose ikaswedera, vakamira pamberi paJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ivo vakauya nezvakanga zvarairwa naMosesi pamberi pomukova wetende rokusangana, ungano yose ikaswedera, vakamira pamberi paJehovha.