Leviticus 9:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akati kunaAroni: Sweɗera kuartari uɓayire cipiriso cako ceɀiʋi, necipiriso cako cinopiswa, uɀiyananisire iwe naʋanhu; uʋuye ʋo necipo caʋanhu, kuti uʋayananisire, seɀakarairwa naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akati kuna Aroni, “Uya kuaritari ugobayira chipiriso chako chechivi nechipiriso chako chinopiswa ugozviyananisira iwe navanhu; bayira chipiriso chavanhu ugovayananisira sezvakarayirwa naJehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akati kuna Aroni, “Chienda kuatari upire mupiro wako wokupfupira zvitadzo, nomupiro wako wokupisa upfupire zvitadzo zvako, nevemba yako, upirire vanhu mupiro, sokureva kwaTenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akati kuna Aroni, “Swedera kuatari ubayire chipiriso chako chezvivi, nechipiriso chako chinopiswa, uzviyananisire iwe navanhu; uuyewo nechipo chavanhu, kuti uvayananisire, sezvakarairwa naJehovha.”
Shona 2009?
Mozisi akati kuna Aroni, "Swedera kuaritari ubayire chipiriso chako chezvivi, nechipiriso chako chinopiswa, uzviyananisire iwe navanhu; uuyewo nechipo chavanhu, kuti uvayananisire, sezvakarairwa naJehovha."
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akati kuna Aroni, “Swedera kuatari ubayire chipiriso chako chezvivi, nechipiriso chako chinopiswa, uzviyananisire iwe navanhu; uuyewo nechipo chavanhu, kuti uvayananisire, sezvakarairwa naJehovha.”