Luke 1:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakaŋga ʋacinyeŋgetera kunze neŋguʋa yokupisa ɀinonhuwira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye nguva yokupisa zvinonhuwira yakati yasvika, vanamati vose vakaungana panze vachinyengetera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gurumwandira ravanhu rakanga richinamata kunze panguva yokupisira rusenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vazhinji vose vakanga vachinyengetera kunze nenguva yokupisa zvinonhuwira.
Shona 2009?
Zvino chaunga chose chavanhu chakanga chichinyengetera kunze nenguva yezvinonhuhwira.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vazhinji vose vakanga vachinyengetera kunze nenguva yokupisa zvinonhuwira.