Luke 1:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mutumŋa akati kwaari: Usatya Zakaria, nokuti kukumbira kwako kwanzwika, mukadzi wako Erisabete ucakuɓerekera mŋanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Johane.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Zekaria; munyengetero wako wanzwikwa. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, uye unofanira kumutumidza zita rokuti Johani.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mutumwa waTenzi akati kwaari, “Rega zvako kutya, Zakariya, nokuti munamato wako wakanzwika. Mudzimai wako, Erizabheti achakuberekera mwana mukomana wauchatumidza zita rokuti Johani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mutumwa akati kwaari, “Usatya Zekariya, nokuti kukumbira kwako kwanzwika. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Johani.
Shona 2009?
Asi mutumwa akati kwaari: Usatya Zakaria; nokuti munyengetero wako wanzwikwa, nomukadzi wako Erizabheti uchakuberekera mwanakomana, ugotumidza zita rake Johwani.
Shona SUB 2002 Bible
Mutumwa akati kwaari, “Usatya Zekariya, nokuti kukumbira kwako kwanzwika. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Johani.