Luke 1:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti iye ucaʋa mukuru pamberi paShe; haaŋgatoŋgonwi waini neɀinoɓata; ucazadzwa noMŋeya Mutȿene kubva paɗumbu ramai ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
nokuti achava mukuru pamberi paShe. Haafaniri kutongonwa waini kana zvinonwiwa zvose zvakaviriswa, uye achazadzwa noMweya Mutsvene kunyange kubva pakuberekwa kwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti achava mukuru pamberi paTenzi; haachazonwi waini kana doro rinodhaka, achazadzwa naMweya Mutsvene kubvira achiri munhumbu maamai vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti iye achava mukuru pamberi paIshe; haangatongonwi waini nezvinodhaka; achazadzwa noMweya Mutsvene kubva mudumbu ramai vake.
Shona 2009?
Nokuti iye uchava mukuru pamberi paShe; haangatongomwi waini kana zvinobata; uchazadzwa noMweya Mutsvene kubva padumbu ramai vake.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti iye achava mukuru pamberi paIshe; haangatongonwi waini nezvinodhaka; achazadzwa noMweya Mutsvene kubva mudumbu ramai vake.