Luke 1:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ucafamba pamberi pake noMŋeya nesimba raEria, kuti adzorere mŋoyo yamadziɓaɓa kuʋana, naʋasiŋgatereri kuʋucenjeri bgaʋakarurama, agadzirire Ishe ʋanhu ʋaka mu gadzirirwa kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye achafamba pamberi paShe, mumweya nomusimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana vavo uye kuti vasingateereri vadzokere kuuchenjeri hwavakarurama, kuti agadzirire vanhu vakagadzirirwa kugamuchira Ishe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Achafamba pamberi paTenzi aina mweya nesimba raEriya kuti awadzanise madzibaba navana vavo; nokudzorera vasingateereri kuhungwaru hwavakarurama, kuti nhadzirire Tenzi vanhu vakamugadzirira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Achafamba pamberi pake noMweya nesimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana, navasingateereri kuuchenjeri hwavakarurama, agadzirire Ishe vanhu vakamugadzirirwa kwazvo.”
Shona 2009?
uye iye uchafamba pamberi pake muMweya nesimba raEria, kuti adzorere moyo yamadzibaba kuvana, navasingateereri kuvuchenjeri hwavakarurama, agadzirire vanhu vakagadzirirwa \add kugamuchira\add* Ishe,
Shona SUB 2002 Bible
“Achafamba pamberi pake noMweya nesimba raEriya, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana, navasingateereri kuuchenjeri hwavakarurama, agadzirire Ishe vanhu vakamugadzirirwa kwazvo.”