Luke 1:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mutumŋa akapindura, akati kwaari: Ndini Gabrieri, ndinomira pamberi paMŋari; ndatumŋa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutumwa akapindura akati, “Ndini Gabhurieri. Ndinomira pamberi paMwari, uye ndatumwa kuti ndizotaura newe uye kuti ndizokuudza nhau dzakanaka idzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa akamuti, “Ndini Gabhurieri, ndinomira pamberi paMwari, ndatumwa naTenzi kuti nditaure newe nokukuparidza shoko iri rakanaka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mutumwa akapindura, akati kwaari, “Ndini Gabhurieri, ndinomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka.
Shona 2009?
Mutumwa achipindura akati kwaari: Ndini Gabhirieri, ndinomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure kwauri, ndikukumikidze mashoko awa akanaka.
Shona SUB 2002 Bible
Mutumwa akapindura, akati kwaari, “Ndini Gabhurieri, ndinomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka.