Luke 1:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋakaŋga ʋakamirira Zakaria ʋakashamiswa nokunonoka kwake mutembere.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvichakadaro, vanhu vakanga vakamirira Zekaria vakashamiswa kuti akanga atora nguva yakareba kudai seiko ari mutemberi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvo vanhu vakanga vakangomirira Zakariya, votoshamiswa kwazvo kuti chii chamunonotsa kudai muTemberi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vakanga vakamirira Zekariya vakashamiswa nokunonoka kwake mutemberi.
Shona 2009?
Vanhu vakanga vakamirira Zakaria vakashamiswa nokunonoka kwake mutembere.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vakanga vakamirira Zekariya vakashamiswa nokunonoka kwake mutemberi.