Luke 1:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati aciɓuɗa, akasagona kutaura naʋo; ʋakaziʋa kuti wakaŋga aʋona ciratidzo mutembere; iye akaramba acininira namaʋoko, akaramba ari mbeʋeʋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati abuda, akasagona kutaura navo. Vakazviona kuti akanga aona chiratidzo mutemberi, nokuti akaramba achitaura navo namaoko, uye akaramba ari chimumumu asingagoni kutaura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino akati abuda, haana kugona kutaura kwavari. Vanhu ndokubva vaziva kuti aona chiratidzo muTemberi. Akatoita zvokuvaninira maoko, ndokuramba angove chimumumu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati achibuda, akasagona kutaura navo; vakaziva kuti akanga aona chiratidzo mutemberi; iye akaramba achininira namaoko, akaramba ari mbeveve.
Shona 2009?
Zvino wakati abuda, akasagona kutaura kwavari; vakaziva kuti wakanga avona chiratidzo mutembere; iye akavaninira namavoko, akaramba ari mbeveve.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati achibuda, akasagona kutaura navo; vakaziva kuti akanga aona chiratidzo mutemberi; iye akaramba achininira namaoko, akaramba ari mbeveve.