Luke 1:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Maria akati kumutumŋa: Iɀoɀi ɀiŋgaʋa seiko, ɀandisiŋgaziʋi murume?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Maria akabvunza mutumwa akati, “Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Maria akati kumutumwa, “Izvi zvichazoitika sei zvandisingazivani nomurume?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Maria akati kumutumwa, “Izvozvi zvingava seiko, zvandisingazivi murume?”
Shona 2009?
Ipapo Maria akati kumutumwa: Izvozvi zvingaitika seiko, zvandisingazivi murume?
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Maria akati kumutumwa, “Izvozvi zvingava seiko, zvandisingazivi murume?”