Luke 1:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye tarira, Erisabete, hama yako, naiye waʋa nemimba ʋo yomŋanakomana pakucembera kwake; mŋedzi uno waʋa wecitanhatu kunaiye wainzi haaɓereki.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange hama yako Erizabheti achava nomwana pamazuva okukwegura kwake, uye mwedzi uno ndowechitanhatu kuna iye ainzi asingabereki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chiona kuti kana hama yakowo Erizabheti, kunyange zvake achembera atova napamuviri pomwana mukomana; mwedzi uno watove mwedzi wechitanhatu kune munhu wainzi imhanje.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uye tarira, Erizabheti, hama yako, naiye wava napamuviri pomwanakomana pakuchembera kwake; mwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye ainzi haabereki.
Shona 2009?
Uye tarira, Erizabheti hama yako, naiyevo wava nemimba yomwanakomana pakuchembera kwake; nomwedzi uno wava wechitanhatu kunaiye wainzi mhanje.
Shona SUB 2002 Bible
Uye tarira, Erizabheti, hama yako, naiye wava napamuviri pomwanakomana pakuchembera kwake; mwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye ainzi haabereki.