Luke 1:38 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Maria akati: Tarirai, ndiri mushandiri waShe; ndiitirwe haŋgu seɀamataura. Mutumŋa akabva kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Maria akati, “Ini ndiri muranda waShe. Ngazviitike hazvo kwandiri sezvamareva.” Ipapo mutumwa akabva paari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Maria akati, “Onai ndiri murandakadzi waTenzi, ngazviitwe kuneni sokureva kwenyu.” Mutumwa ndokubva omusia oenda zvake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Maria akati, “Tarirai, ndiri mushandiri waIshe; ndiitirwe hangu sezvamataura.” Mutumwa akabva kwaari.
Shona 2009?
Ipapo Maria akati: Tarirai, murandakadzi waShe; ngazvive kwandiri seshoko renyu, Mutumwa akabva kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Maria akati, “Tarirai, ndiri mushandiri waIshe; ndiitirwe hangu sezvamataura.” Mutumwa akabva kwaari.