Luke 1:42 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akaɗana nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati paʋakadzi, neciɓereko ceɗumbu rako cakaropafadzwa!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akadanidzira nenzwi guru achiti, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye akaropafadzwa mwana wauchazvara!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ndokutaura nezwi riri pamusoro achiti, “Makakomborerwa pana vakadzi vose, akakomborerwawo mwana wemimba yenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akadana nezwi guru, akati, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nomwana wemimba yako akakomborerwazve!
Shona 2009?
akadana nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye chakaropafadzwa chibereko chedumbu rako!
Shona SUB 2002 Bible
akadana nezwi guru, akati, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nomwana wemimba yako akakomborerwazve!