Luke 1:44 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti, tarira, inzwi rokukwazisa kwako rakati riciȿika munzeʋe dzaŋgu, mŋana akakwakuka nomufaro muɗumbu raŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pangosvika inzwi rokukwazisa kwenyu munzeve dzangu mwana ari mudumbu mangu abva akwakuka nomufaro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chionaika kuti pandangonzwa izwi rokundikwazisa kwenyu, mwana abva akwakuka norufaro rukuru mudumbu mangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti, tarira, izwi rokukwazisa kwako rakati richisvika munzeve dzangu, mwana akakwakuka nomufaro mudumbu rangu.
Shona 2009?
Nokuti tarira, inzwi rokukwazisa kwako rangoti richisvika munzeve dzangu, mwana akatamba mudumbu rangu nomufaro.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti, tarira, izwi rokukwazisa kwako rakati richisvika munzeve dzangu, mwana akakwakuka nomufaro mudumbu rangu.