Luke 1:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Namazuʋa aHerode, mambo weJudea, mumŋe muprista waiʋa’po, wainzi Zakaria, wegoʋero raAbia; mukadzi wake waiʋa waʋanasikana ʋaAroni, zita rake rainzi Erisabete.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva yaHerodhi mambo weJudhea kwakanga kuno muprista ainzi Zekaria, akanga ari weboka rouprista hwaAbhija; mukadzi wake Erizabheti akanga ari chizvarwa chaAroni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamazuva aHerodhi, mambo weJudhea, kwaiva nomumwe mupristi ainzi Zakariya wegovero raAbhiya. Aiva nomudzimai akanga ari wedzinza raAroni, zita rake ainzi Erizabheti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Namazuva aHerodhi, mambo weJudhea, mumwe mupristi aivapo, ainzi Zekariya, wegovero raAbhia; mukadzi wake aiva wavanasikana vaAroni, zita rake rainzi Erizabheti.
Shona 2009?
Kwaivapo namazuva aHerodhe mambo weJudhiya mumwe muprista wainzi Zakaria, weboka raAbhiya; nomukadzi wake \add waiva\add* wavanasikana vaAroni, zita rake riri Erizabheti.
Shona SUB 2002 Bible
Namazuva aHerodhi, mambo weJudhiya, mumwe mupristi aivapo, ainzi Zekariya, wegovero raAbhia; mukadzi wake aiva wavanasikana vaAroni, zita rake rainzi Erizabheti.