Luke 1:59 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nezuʋa rorusere ʋakaʋuya kuzodziŋgisa mŋana, ʋakaɗa kumutumidza zita raɓaɓa ʋake, Zakaria.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, uye vakanga vachizomutumidza zita rababa vake Zekaria,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nezuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana. Vakanga vachida kumutumidza zita rababa vake rokuti Zakariya,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nezuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, vakada kumutumidza zita rababa vake, Zekariya.
Shona 2009?
Zvino zvakaitika kuti nezuva rorusere vakavuya kuzodzingisa mwana, vakamutumidza zita rababa vake, Zakaria.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nezuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, vakada kumutumidza zita rababa vake, Zekariya.