Luke 1:63 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakakumbira ibge rokunyora pariri, ʋakanyora ʋaciti: Johane, ndiro zita rake. Ʋakashamiswa ʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akavakumbira pokunyorera, akanyora kuti “Zita rake ndiJohani” uye vose vakashamiswa nazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akakumbira chinyorero, akanyora kuti, “Zita rake ndiJohani.” Vose vakashamiswa zvikuru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakakumbira chinyorero vakanyora kuti, “Johani, ndiro zita rake.” Vakashamiswa vose.
Shona 2009?
Vakakumbira pokunyorera, vakanyora vachiti: Johwani, ndiro zita rake; vakashamiswa vose.
Shona SUB 2002 Bible
Vakakumbira chinyorero vakanyora kuti, “Johani, ndiro zita rake.” Vakashamiswa vose.