Luke 1:66 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋose ʋaka a nzwa, ʋakaaceŋgeta mumŋoyo maʋo, ʋaciti: Ucazoʋa mŋana wakaɗiniko? Nokuti ruʋoko rwaShe rwakaʋa naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munhu wose akazvinzwa akashamiswa nazvo, vakati, “Mwana uyu achava akadiniko?” Nokuti ruoko rwaShe rwaiva naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vose vakazvinzwa vakazvipfundira mumwoyo yavo vachiti, “Ko, mwana uyu achazova munhu akaita sei chaizvo?” Nokuti ruoko rwaTenzi rwakanga rwuri paari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vose vakaanzwa, vakaachengeta mumwoyo mavo, vachiti, “Achazova mwana wakadiniko?” Nokuti ruoko rwaIshe rwakava naye.
Shona 2009?
Zvino vose vakanzwa, vaka\add zvi\add*chengeta mumoyo mavo, vachiti: Uchazova mwana wakadiniko? Zvino ruvoko rwaShe rwakava naye.
Shona SUB 2002 Bible
Vose vakaanzwa, vakaachengeta mumwoyo mavo, vachiti, “Achazova mwana wakadiniko?” Nokuti ruoko rwaIshe rwakava naye.