Luke 10:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unenhamo, iwe Korazeni! Unenhamo, iwe Betsaida! Nokuti maɓasa esimba akaitwa mukati menyu, ɗai akaitwa muTire neSidoni, ʋaŋgaɗai ʋatendeʋuka kare, ʋakagara ʋanamasaga neɗota.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvakanga zvaitwa muTire neSidhoni, vangadai vakatendeuka kare, vakagara mumadota vakafuka masaga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvichakuwana zvako iwe Korozeini. Zvichakuwana iwe Bhetisaidha nokuti dai kuri kuti zvishamiso zvakaitwa mamuri zvakaitwa muTire nomuSidhoni, vangadai vakapinduka kare kare. Vangadai vakatopfeka masaga vakagara pamadota.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Une nhamo, iwe Korazini! Une nhamo, iwe Bhetisaidha! Nokuti mabasa esimba akaitwa mukati menyu dai akaitwa muTire neSidhoni, vangadai vatendeuka kare, vakagara vana masaga nedota.
Shona 2009?
Vurombo kwauri, Korazini! Vurombo kwauri, Bhetisaidha! Nokuti dai mabasa esimba akaitwa mukati menyu, akaitwa muTire neSidoni, vangadai vatendevuka kare, vakagara vanamasaga nedota.
Shona SUB 2002 Bible
Une nhamo, iwe Korazini! Une nhamo, iwe Bhetisaidha! Nokuti mabasa esimba akaitwa mukati menyu dai akaitwa muTaya neSidhoni, vangadai vatendeuka kare, vakagara vana masaga nedota.