Luke 10:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanamakumi manomŋe ʋakadzoka nomufaro, ʋaciti: Ishe, kunyaŋge nemŋeya yakaipa inoɀiisa pasi peɗu muzita renyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vana makumi manomwe vakadzoka nomufaro vakati, “Ishe, kunyange madhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vadzidzi makumi manomwe vakadzoka norufaro vachiti, “Tenzi, kunyange mweya yakaipa yava pasi pedu muzita renyu.” Asi Jesu akati kwavari, “Ndakaona Satani achiwa semheni inobva mudenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana makumi manomwe vakadzoka nomufaro, vachiti, “Ishe, kunyange nemweya yakaipa inozviisa pasi pedu muzita renyu.”
Shona 2009?
Vanamakumi manomwe vakadzoka zvakare nomufaro, vachiti: Ishe, kunyange nemweya yakaipa inozviisa pasi pedu muzita renyu.
Shona SUB 2002 Bible
Vana makumi manomwe vakadzoka nomufaro, vachiti, “Ishe, kunyangwe nemweya yakaipa inozviisa pasi pedu muzita renyu.”