Luke 10:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neŋguʋa iyo wakafara noMŋeya Mutȿene, akati: Ndinokuʋoŋgai Ƃaɓa, Ishe wokuɗeŋga napasi, kuti makaʋanzira ʋakacenjera naʋakaŋgwara ɀinhu iɀi, mukaɀizarurira ʋacece. Hoŋo Ƃaɓa, nokuti ndiɀo ɀakakufadzai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyoyo Jesu azere nomufaro kubudikidza noMweya Mutsvene, akati, “Ndinokuvongai, Baba, Ishe wokudenga nepasi, nokuti makavanzira vakachenjera navakadzidza zvinhu izvi, mukazvizarurira kuvacheche. Hongu, Baba nokuti zvakakufadzai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva imwecheteyo Jesu akafara kwazvo aina Mweya Mutsvene akati, “Ndinokutendai, Baba, Tenzi wedenga napasi kuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navanonzwisisa mukazvizivisa kuvana vaduku. Hongu Baba aya madiro enyu akanakisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nenguva iyo akafara noMweya Mutsvene, akati, “Ndinokuvongai baba, Ishe wokudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche. Hongu Baba, nokuti ndizvo zvakakufadzai.
Shona 2009?
Nenguva iyo Jesu wakafara mumweya, akati: Ndinokuvongai imwi, Haiwa Baba, Ishe wokudenga napasi, kuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera navakangwara, mukazvizarurira vacheche; hongu, Baba, nokuti ndizvo zvakava zvakanaka pamberi penyu.
Shona SUB 2002 Bible
Nenguva iyo akafara noMweya Mutsvene, akati, “Ndinokuvongai baba, Ishe wokudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche. Hongu Baba, nokuti ndizvo zvakakufadzai.