Luke 10:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀinhu ɀose ndakaɀipiwa naƂaɓa ʋaŋgu; hakuna‐unoziʋa kuti Mŋanakomana ndiani, asi Ƃaɓa, ʋuye kuti Ƃaɓa ndiani, asi Mŋanakomana, naiye Mŋanakomana waaneŋge aciɗa kumuzarurira iye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu. Hakuna munhu anoziva kuti Mwanakomana ndiani kunze kwaBaba, uye hakuna munhu anoziva kuti Baba ndiani kunze kwoMwanakomana, uye naavo Mwanakomana vaanenge asarudza kuvazarurira.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvinhu zvose zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kusiya Baba kana anoziva kuti Baba ndiani kusiya kwoMwanakomana nouyo anenge asarudzwa zvake naMwanakomana kuti amuzivise kwaari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu; hakuna anoziva kuti Mwanakomana ndiani, asi Baba, uye kuti Baba ndiani, asi Mwanakomana, naiye Mwanakomana waanenge achida kumuzarurira iye.”
Shona 2009?
Zvinhu zvose zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna unoziva kuti Mwanakomana ndiyani, kunze kwaBaba, uye kuti baba ndiani, kunze koMwanakomana, naiye Mwanakomana waanoda kuzarurira.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu; hakuna anoziva kuti Mwanakomana ndiani, asi Baba, uye kuti Baba ndiani, asi Mwanakomana, naiye Mwanakomana waanenge achida kumuzarurira iye.”