Luke 10:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe muɗudziri womurairo wakasimuka, akamuidza, aciti: Mudzidzisi, ndiŋgaiteiko kuti ndigare nhaka yoʋupenyu bgusiŋgaperi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe musi mududziri womurayiro akasimuka kuti aedze Jesu. Akati, “Mudzidzisi ndinofanira kuiteiko kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Heyo nyanzvi yomutemo yakasimuka kuti imuedze ichiti, “Mudzidzisi ndingaiteiko kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi.” Jesu akati kwaari,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe mududziri womurayiro akasimuka, akamuedza, achiti, “Mudzidzisi, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka yohupenyu husingaperi?”
Shona 2009?
Zvino tarira, imwe nyanzvi yomutemo yakasimuka, ichimuidza, ichiti: Mudzidzisi, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu hwusingaperi?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe mududziri womurairo akasimuka, akamuedza, achiti, “Mudzidzisi, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?”