Luke 10:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akapindura, akati: Mumŋe munhu wakabva Jerusarema, akaɓurukira Jeriko; akawirwa namakororo, akamupamba ŋguʋo, akamuroʋa, akaenda, ndokumusiya oɗa kufa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura akati, “Mumwe murume aiburuka achibva kuJerusarema achienda kuJeriko, paakawira mumaoko amakororo. Vakamubvisa nguo dzake, vakamurova ndokuenda zvavo, vachimusiya oda kufa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akapindura achiti, “Mumwe murume aidzika kuJeriko achibva kuJerusaremu. Akawira mukati memakororo. Vakamubvisa hanzu dzake vakamurova vakaenda vachisiya ava kuda kufa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akapindura, akati, “Mumwe munhu akabva Jerusaremu, akaburukira Jeriko, akawirwa namakororo, akamupamba nguo, akamurova, akaenda, ndokumusiya oda kufa.
Shona 2009?
Jesu akapindura akati: Mumwe munhu wakaburuka kubva Jerusarema achienda Jeriko; akawira mumakororo, akamukurura nguvo akamurova akaenda, ndokusiya oda kufa.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akapindura, akati, “Mumwe munhu akabva Jerusaremu, akaburukira Jeriko, akawirwa namakororo, akamupamba nguo, akamurova, akaenda, ndokumusiya oda kufa.