Luke 10:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akaenda kwaari, ndokupombera maʋaŋga ake, aka a ɗira mafuta newaini; akamukwidza pacipfuwo cake, ndokumuisa kuimba yaʋaeni, ndokumuceŋgeta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaenda paari akamusunga maronda ake, akaadira mafuta newaini. Ipapo akamutora akamukwidza pambongoro yake, akamuendesa kuimba yavaeni, akamuchengeta.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaenda paari akasunga maronda ake achiadira mafuta newaini. Akamukwidza pachipfuo chake akaenda naye kuhotera akamupepa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akaenda kwaari, ndokupombera mavanga ake, akaadira mafuta newaini; akamukwidza pachipfuwo chake, ndokumuisa kuimba yavaeni, ndokumuchengeta.
Shona 2009?
akaenda \add kwaari\add* ndokupomba mavanga ake, akaadira mafuta newaini; akamugadza pachipfuwo chake, ndokumuisa kuimba yavaeni, ndokumuchengeta.
Shona SUB 2002 Bible
akaenda kwaari, ndokupombera mavanga ake, akaadira mafuta newaini; akamukwidza pachipfuwo chake, ndokumuisa kuimba yavaeni, ndokumuchengeta.