Luke 10:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino, aʋa maŋgwana, akaɓuɗisa madenari maʋiri, akaapa mŋene weimba, akati: Muceŋgete; ʋuye ɀose ɀauno mu ripira kupfuʋura iɀi, ndicakupa ɀe, kana ndicidzoka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Fume mangwana akatora mari yesirivha akaipa kumuchengeti weimba yavaeni. Akati kwaari, ‘Muchengetei uye pandinodzoka, ndichakuripirai zvose zvamunenge mawedzera pane zvandakupai.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mangwana acho akabvisa mari chena mbiri dzamadhenari akapa muridzi wehotera achiti, ‘Mupepei. Mari yamunenge mazoshandisa pamusoro peiyi, ndichakubhadharai kana ndodzoka.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino, ava mangwana, akabudisa madhenari maviri, akaapa muridzi weimba, akati, ‘Muchengete, zvose zvaunomupa kupfuura izvi, ndichakupazve, kana ndichidzoka.’ ”
Shona 2009?
Zvino ava mangwana oenda, wakabudisa madhenari* maviri akapa kumwene weimba, akati kwaari: Muchengete; uye zvose zvaunomuripira kupfuvura izvi, ndichakupazve, kana ndichidzoka.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino, ava mangwana, akabudisa madhinari maviri, akaapa muridzi wemba, akati, ‘Muchengete, zvose zvaunomupa kupfuura izvi, ndichakupazve, kana ndichidzoka.’ ”