Luke 10:40 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Marta wakaŋga acitambudzika nokushanda ɀikuru, akaʋuya, akati: Ishe, hamunehanya muciʋona munuŋuna waŋgu acindirega ndicishanda ndoga here? Muʋudzei andiɓatsire.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Marita akatadziswa kuteerera nokuda kwokugadzirira kwose kwaifanira kuitwa. Akauya kwaari akati, “Ishe hamuna hanya here kuti munun'una wangu andisiya ndichingoshanda ndoga? Muudzei kuti andibatsirewo!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Marita akanga achikangaidzwa nokushanda kwakanyanya kwaaiita. Akaenda kuna Jesu akati, “Nhai Tenzi, hamuna hanya nazvo here zvokuti munun'una wangu ari kundirega ndichishanda ndoga. Mutaurirei andibatsire.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Marita akanga achitambudzika nokushanda zvikuru, akauya, akati, “Ishe, hamuna hanya muchiona munun'una wangu achindirega ndichishanda ndoga here? Muudzei andibatsire.”
Shona 2009?
Asi Marita wakanga akabatikana nokushanda zvikuru, akavuya kwaari akati: Ishe, hamunehanya here nokuti munun'una wangu wandisiya ndoga ndichishanda? Muvudzei kuti andibatsire,
Shona SUB 2002 Bible
Asi Marita akanga achitambudzika nokushanda zvikuru, akauya, akati, “Ishe, hamuna hanya muchiona munun'una wangu achindirega ndichishanda ndoga here? Muudzei andibatsire.”