Luke 11:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati acinyeŋgetera paneimŋe nɀimbo, apedza, mumŋe waʋadzidzi ʋake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyeŋgetera, Johane seɀaakadzidzisa ʋadzidzi ʋake ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe musi Jesu akanga achinyengetera ari pane imwe nzvimbo. Akati apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Ishe, tidzidzisei kunyengetera, saJohani akadzidzisa vadzidzi vake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakaitika kuti Jesu ainamata pane imwe nzvimbo. Paakapedza kunamata, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Tenzi tidzidziseiwo kunamata sokudzidzisa kwaiita Johani vadzidzi vake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati achinyengetera pane imwe nzvimbo, apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Ishe, tidzidzisei kunyengeterawo Johani sezvaakadzidzisa vadzidzi vakewo.”
Shona 2009?
Zvino zvakaitika kuti paainyengetera paneimwe nzvimbo achinyengetera, apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johwani sezvaakadzidzisa vadzidzi vakevo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati achinyengetera pane imwe nzvimbo, apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Ishe, tidzidzisei kunyengeterawo Johani sezvaakadzidzisa vadzidzi vakewo.”