Luke 11:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo kana imi makaipa muciziʋa kupa ʋana ʋenyu ɀipo ɀakanaka, Ƃaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋacapa ɀikuru sei Mŋeya Mutȿene ʋanokumbira kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino kana imi, kunyange makaipa zvenyu, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino kana imi vaipi kudai muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu; ko kutozoti Baba vokudenga, vanopa zvakadii Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanokumbira kwaari.”
Shona 2009?
Kana imwi zvino makaipa muchiziva kupa zvipo zvakanaka vana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanovakumbira.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanokumbira kwaari.”