Luke 11:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakaŋga aciɓuɗisa mŋeya wakaipa, waiʋa mbeʋeʋe; mŋeya wakaipa ukati wabva, mbeʋeʋe ikataura, ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akanga achidzinga dhimoni raiva mbeveve. Dhimoni rakati rabva, munhu uya akanga ari mbeveve akataura, uye vazhinji vakashamiswa nazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu paaidzinga mumwe mweya wakaipa waiva mbeveve mweya wakaipa uya pawakabuda, mbeveve iya yakataura uye vanhu vakashamiswa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akanga achibudisa mweya wakaipa, waiva mbeveve; mweya wakaipa ukati wabva, mbeveve ikataura, vanhu vazhinji vakashamiswa.
Shona 2009?
Zvino wakanga achibudisa mweya wakaipa, waiva mbeveve. Zvino zvakaitika kuti mweya wakaipa wakati wabuda, mbeveve ikataura; chaunga chikashamiswa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akanga achibudisa mweya wakaipa, waiva mbeveve; mweya wakaipa ukati wabva, mbeveve ikataura, vanhu vazhinji vakashamiswa.