Luke 11:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
NaSatani, kana aciɀipesanisa, ʋushe bgake bguŋgamira seiko, ɀamunoti, ndinoɓuɗisa mŋeya yakaipa naBeerzeburi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana Satani achizvipesanisa, umambo hwake hungamira seiko? Ndinotaura izvi nokuti munonditi ndinobudisa madhimoni naBheerizebhubhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino kana Satani achizvirwisa, umambo hwake hunopamira sei. Nokuti imi murikuti ndinodzinga mweya yakaipa naBherizebhuru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
NaSatani, kana achizvipesanisa, ushe hwake hungamiri seiko, zvamunoti, ndinobudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri?
Shona 2009?
NaSatanivo, kana achizvipesanisa, ushe bwake bwungamira seiko? Nokuti munoti, ndinobudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri.
Shona SUB 2002 Bible
NaSatani, kana achizvipesanisa, ushe hwake hungamiri seiko, zvamunoti, ndinobudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri?