Luke 11:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana ndiciɓuɗisa mŋeya yakaipa nomunwe waMŋari, ipapo ʋushe bgaMŋari bgaȿika kwamuri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana ndichidzinga madhimoni nomunwe waMwari, ipapo umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino kana ndichidzinga mweya yakaipa nomunwe waMwari umambo hwaMwari hwasvika pamuri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa nomunwe waMwari, ipapo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.
Shona 2009?
Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa nomumwe waMwari, zvirokwazvo ushe bwaMwari bwasvika kwamuri.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa nomunwe waMwari, ipapo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.